Nyaudzosingwi| 70 ways to fall in Shona: Ideophones that describe falling (with examples)

Nyaudzosingwi bring out emphasis

The following 70 nyaudzosingwi describe the act of falling. Reference was made to the Standard Shona Dictionary (M. Hannan, S.J.) for descriptions. Examples are by ZimbOriginal.

I like to use an ideophone for emphasis, as it invokes very clear and vivid imagery in the mind of the listener. In my examples, I have deliberately used fairly long sentences. This is to provide some context and hopefully give a better appreciation of what the ideophone seeks to portray.


  • Growing library for primary school age children
  • Over 100 children’s fiction stories told in both Shona and English
  • Educational Resources on FAREME, Heritage – Social Studies, Shona, and more
  • Zero data cost for Econet users

nyaudzosingwi &
description
example of use in a sentence
1. Bhidhiri:
falling heavily and rolling
Muti uno mukuru wakarohwa nemheni ndokunoti bhidhiri pakati pemugwagwa.
2. Biribidi:
falling heavily because of tripping
Zvaakanga achimhanya akagumburwa nechigutsa ndokunoti biribidi.
3. Bondokoto:
falling down dead (of shot animal)
Nzou yakamboramba ichimhanya mushure mekupfuurwa, asi yakazongonoti bondokoto.
4. Bvocho:
falling onto grass, water or dry leaves
Mukomana akasundudzirwa murukova ndokunoti bvocho makaremo.
5. Bvucha:
collapsing through exhaustion.
Ainge achidzengedzeka nekudhakwa ndokusvikonoti bvucha pamusoro pemwana ainge arere.
6. Bvucha :
Falling with a splash
Kamwana kakasvetukira muduhwinho ndokunoti mumvura bvucha .
7. Bvuva:
falling into water (heavy animal, person or object)
Zidombo rakakunguruka ndokunoti bvuva murukova.
8. Bwa:
falling and breaking
Mukomana akatadza kudengezera hari ndokubva yanoti pasi bwa.
9. Bwindi:
falling on face
Chimwana chaidzidzira kukambaira ndokunoti bwindi mundiro yesadza.
10. Cho-o:
liquid falling in quantity on naked surface
Mvura yakanaya zvine simba; waingonzwa kuti cho-o ugere mumba.
11. Chororo:
falling in a stream
Aichereredza mvura kubva papombi ichinoti chororo mumugomo.
12. Chubu:
falling into water and sinking
Zidanda rakasvikonoti mumvura chubu, apo rakakandwa kubva muchikepe.
13. Chubwi:
entering water with a splash
Hove yaainge abata yakatsvedza muruoko ndokunoti chubwi kudzokera mumvura.
14. Dedu:
falling backwards
Akapotsa kutsika apo aikwira manera akatsvedza ndokunoti dedu.
15. Dhabhara:
falling prostrate, arms and legs loose
Mbavha yakapfuurwa pagumbo ichitiza, ndokuti dzedzere dzedzere (staggering) ndiye pasi dhabhara.
16. Dhege:
falling and breaking
Chiedza akagumburwa nechigutsa akatsiga hari, ndiye biribidi neuko hari ichinotiwo dhege nekoko.
(for biribidi, see item 2)
17. Dhegemu:
falling heavily on a hard surface and breaking
Amai zvavaisuka midziyo yavo, komichi yedhaka yakati pasi dhegemu mushure mekutsvedza kubva padara.
18. Dhegeru:
falling backwards
Akapotsa kutsika apo aikwira manera ndiye pasi dhegeru.
19. Dheru:
falling on back
Mwana akanga akaberekwa kumusana akati dheru apo mai vake vakamuregedzera.
20. Dhi:
falling down – heavy object
Muti uno mukuru wakarohwa nemheni ndokunoti dhi pamusoro pemotokari yainge iri pasi pawo.
21. Dhigu:
falling flatly
Akabhagamurwa nemotokari ndiye pasi dhigu.
(Bhagamurwa is ‘to be struck with a heavy blow’)
22. Dhiri:
falling in (e.g. soil collapsing)
Denga remba rakazongoti dhiri nomukati memba, nokuti rainge risina kuturikwa zvakanaka.
23. Dindiri:
falling down and rolling (e.g. round object)
Ngoro yakakutuka, manhanga ainge azeremo ndokuti dindiri achinoungana munyasi memadziro emba yaiva iri pedo.
24. Do:
falling and hitting the ground
Akazunza muti damba raivemo ndokuti pasi do.
25. Do do:
dripping continuously. starting to rain.
Mvura yakaswera ichiti do do kubva papombi yakanga isina kusungwa zvakanaka.
26. Dya dya dya:
falling and breaking (heavy object; a tree)
Sango rakanga robvira zvino, wongonzwa miti kuti dya dya dya ichiwira pasi.
27. Fatata:
falling flat (a person)
Paakanzwa zvekufa kwemwana wake haana kukwanisa kana kuridza mhere, akangoti pasi fatata.
28. Ga:
falling head-first
Akadonha kubva mumuti ndokunoti nemusoro ga.
29. Gaga:
falling backwards
Akapotsa kutsika apo aikwira manera akatsvedza ndokunoti gaga nemusana.
30. Gojoto:
falling and making rattling sound
Akazunza jira raiva rakawaridzwa patafura, zvipunu zvose zvaivapo ndokuti pasi gojoto.
31. Gudubu:
falling over (e.g. calabash)
Tswanda yakati gudubu, nzungu dzose dzivamo ndokurasikira pasi.
32. Gwachara:
falling and making rattling sound (e.g. loose bundle of firewood)
Akazunza jira raiva rakawaridzwa patafura, zvipunu zvose zvaivapo ndokuti pasi gwachara.
33. Gwachata:
falling through weakness
Kuneta kwakamukurira akatanga kufamba achizvuva makumbo, ndokusvinokoti namabvi gwachata pamberi pekasipiti kemvura.
34. Gwadara:
falling to knees
Akati pasi gwadara ndokutarisa kudenga akasimudza maoko sekunge arikunamata.
35. Gwajata:
falling and making rattling sound (e.g. loose bundle of firewood)
Apo Chioniso akaona nyoka, akasvetuka ndokubva huni dzaiva pamusoro wake dzanoti pasi gwajata.
36. Gwarada:
falling on knees weakly (or because shot)
Mbavha zvayaitiza, yakapfuurwa kumusana ndokuti nemabvi gwarada.
37. Hoya-a:
falling into water quietly (as sand does)
Akatanga akwatisa mvura, ndokuti tsanga dzemupunga hoya-a mupoto makaremo.
38. Ja:
falling and landing on back
Chituro chaainge akagarira chakatyoka gumbo, iye ndokunoti ja nemusana.
39. Jada:
falling on back
Kamwana kakaregedzera maoko pamuzeerere, ndokubva kanoti pasi jada.
40. Jadu:
falling sideways
Mutyairi aimhanyisa mota ndokubva yatiza mugwagwa ikanoti jadu nechepadivi pomugwagwa.
41. Jubvu:
falling into water (heavy object)
Zidanda rakasvikonoti mumvura jubvu, apo rakakandwa kubva muchikepe.
42. Kaka kaka:
heavy rain-drops falling (first of storm)
Mvura zvayakangoti kaka kaka ichitanga kunaya, musangano wakabva wangopera pakarepo vanhu votizira kudzimba.
43. Kobo:
falling into water and sinking (small object)
Aichera mvura mutsime, chiringazuva chake ndokusvotoka kubva muruoko chikanoti kobo mumvura.
44. Kobvo:
falling (heavy rain)
Hatina kuwana mukana wekutsvaga pekuvanda nekuti mvura yakangoti kobvo tisingazvitarisire.
45. Kochomo:
making (person, fruit) fall from tree
Muti wakanzi kochomo hacha ndokuwira pasi.
46. Kodzvo:
falling and ending up in an inaccessible place
Rory Mcilroy akarova kabhora, kakangosvikonoti mumwena kodzvo.
47. Koromo:
falling down from a height
Akapotsa kutsika achiburuka manera ndiye pasi koromo.
48. Koromo-tika:
falling, or jumping, down and standing up
Spiderman ainge amire pamusoro pedziro, ndiye koromo-tika achibva amhanya akananga kwaiva nemba yaibvira.
49. Koromoko:
falling accidentally from a height
Murairidzi akazvuva bhuku rimwe kubva panhurikidzwa yamabhuku yaiva patafura, ose achibva angoti koromoko.
50. Kozhomo:
falling (many things together)
Nduramo akazunza muti mazhanje ndokuti kozhomo.
51. Kozomo:
falling down from a tree
Akaresva kutsika ndokuti kozomo, apo aiburuka mumuti mushure mekutemha mazhanje.
52. Kubu:
falling into water or entering water with a splash
Akakotama kuti achere mvura mutsime, magirazi aaive akapfeka ndokuti mumvura kubu.
53. Kubvu:
falling into water (heavy object)
Zidanda rakasvikonoti mumvura kubvu, apo rakakandwa kubva muchikepe.
54. Kuhumu:
falling off (many dry things)
Chiedza akapotsera bhora rake mumuti mashizha ndokuti kuhumu.
55. Kujada;
falling on back
Kamwana kakaregedzera maoko pamuzeerere, ndokubva kanoti kujada nemusana.
56. Kungunja:
falling over with a rattle
Munyaradzi akakutura bhara zvigaba zvaivemo ndokunoti mugomba kungunja zvichiroverana.
57. Kungunja:
falling through weakness
Kuneta kwakamukurira akatanga kufamba achizvuva makumbo, ndokubva azongoti pasi kungunja.
58. Kunja:
falling over with a rattle
Munyaradzi akakutura bhara zvigaba zvikarovana zvichinoti mugomba kunja.
59. Kunjanda:
falling over (object that cannot support itself)
Mwana haasati ava kugona kugara ega, saka ukamurega anobva angoti pasi kunjanda.
60. Kunjanda:
falling backwards with legs in the air
Kamwana kainge kagere pasi kachitamba, ndokuvhunduka kachibva kati kunjanda nemusana koridza mhere.
61. Kuputyu:
falling (generally article of clothing)
Hembe nyoro dzaiva pamutariko dzakatsvedza ndokunoti pasi kuputyu.
62. Kurumu:
falling off (fruit, plaster)
Akazunza muti mazhanje achibva ati pasi kurumu.
63. Kushu:
falling over (e.g. sack)
Vakagadzika zitsapo rechibage pasi richibva rangoti kushu.
64. Kuumu:
falling off (many dry things)
Chiedza akapotsera bhora rake mumuti mashizha ndokuti kuumu.
65. Kuzhu:
falling (fruit in quantity)
Mazhanje akati pasi kuzhu mushure mokunge Nduramo azunza muti.
66. Kuzhumu:
falling (many together; especially fruit)
Nduramo akazunza muti mazhanje ndokuti kuzhumu.
67. Kwachara:
falling and making rattling sound (dry things, many things)
Akakutura chikwama musvo wemari wose waivamo ndokunoti kwachara patafura.

(Musvo is in reference to money in the form of coins rather than paper.)
68. Kwachata:
falling and making rattling sound (dry things, many things)
Akakutura chikwama musvo wemari wose waivamo ndokunoti kwachata patafura.

(Musvo is in reference to money in the form of coins rather than paper.)
69. Kwachatara:
falling and making rattling sound (dry things, many things)
Chuma chaaive akapfeka chakadambuka tutombo twose ndokunoti pasi kwachatara.
70. Kwata:
falling flatly (light object)
Pani yaiva nezai rakakangwa yakakutuka, zai riya ndokunoti pasi kwata.
71. Kwatara:
falling to the ground (e.g. seed from tree)
Mwana aitambisa hosho ndokuirovera padziro ikatsemuka, mhodzi dzose dzaiva mukati dzikati pasi kwatara.

The examples used in this article are based on my understanding of the ideophones and are given in no professional or expert capacity. For the descriptions, reference was made to Hannan S.J, Standard Shona Dictionary (Revised Edition, College Press).

14 thoughts on “Nyaudzosingwi| 70 ways to fall in Shona: Ideophones that describe falling (with examples)”

Leave a Comment